By Fortunate Masikati-
Tsananguro (Chii chinonzi AKI?)
Acute Kidney Injury (AKI) kureva kuderera kamwe kamwe kwekushanda kwetsvo mukati menguva pfupi (maawa kana mazuva). Tsvo dzinotadza kubvisa tsvina nemvura yakawandisa mumuviri, zvichikonzera kuungana kwezvinhu zvinokuvadza.
Zvinokonzeresa
- AKI inogona kukonzerwa ne:
Kushomeka kwemvura mumuviri (dehydration)
Manyoka kana kurutsa zvakanyanya
Utachiona hwakanyanya (sepsis)
Kubuda ropa kwakawanda
BP yakaderera (shock)
Kushandisa mimwe mishonga (semishonga yemarwadzo kana mamwe maantibiotics)
Kuvharika kwetsvo (sematombo etsvo, prostate yakakura, kana bundu)
Dambudziko remoyo kana chiropa Vanhu vari panjodzi (Risk Factors)
Vakwegura
Vanorwara nechirwere cheshuga (diabetes)
Vanorwara neBP (hypertension)
Vanotova nezvirwere zvetsvo
Varwere vari muchipatara (especially ICU)
Vanoshandisa mishonga inokuvadza kana isina kurairwa nemachiremba Zviratidzo (Signs and Symptoms)
Weti shoma kana kusabuda zvachose
Kuzvimba (makumbo, chiso, kana muviri wese)
Kuneta uye kushaya simba
Kusvotwa uye kurutsa
Kushaya mweya zvakanaka
Kuvhiringidzika mupfungwa kana hope dzakawandisa (kana zvanyanya)
Kurwadziwa pachipfuva kana kurova kwemoyo kusiri normal Kuongorora (Diagnosis)
Kuongororwa kweropa (creatinine ne urea)
Kuongororwa kweweti
Kutarisa huwandu hweweti hunobuda
Ultrasound kuona kana paine kuvharika kwetsvo Kurapwa (Treatment )
Kurapwa kunoenderana nechikonzero:
Kupihwa mvura kana muviri washaya mvura
Kurapa utachiona (antibiotics kana zvichidiwa)
Kumisa mishonga inokuvadza
Kugadzirisa makemikari emuviri (electrolytes)
Dialysis kana mamiriro akaoma Kudzivirira (Prevention)
Kunwa mvura yakachena yakakwana
Kudzivirira kushandisa mishonga pasina kurairwa
Kurapa utachiona nekukurumidza
Kudzora BP nechirwere cheshuga zvakanaka
Kuenda kunoongororwa nguva nenguva Zvinetso zvinogona kuitika (Complications)
Chirwere chenguva refu chetsvo (chronic kidney disease)
Kuwanda kwemvura mumuviri (kunogona kukanganisa mapapu)
Kusagadzikana kwemakemikari emuviri (semu potassium)
Matambudziko emoyo
Rufu kana zvisina kurapwa Zvinotendwa zvisiri izvo (Myths)
❌ “Zvirwere zvetsvo ndezvevakwegura chete”
❌ “Kana uchiweti, tsvo dzako dzakanaka”
❌ “Mishonga yechivanhu haina ngozi” Mashoko Ekupedzisira
Acute Kidney Injury chirwere chakakomba uye chinoda kurapwa nekukurumidza, asi chinogona kudzivirirwa uye kurapika kana chabatwa panguva yakakodzera. Kana ukaona weti yaderera, kuzvimba kana kurwara kwakanyanya, enda kuchipatara nekukasika.
Discover more from ZimCitizenNews
Subscribe to get the latest posts sent to your email.

